Svetuka kuchirochemo

Pasirose

Kubva Wikipedia
Pasirose.

Shoko rokuti Pasirose (World in English) rinoshandiswa kureva nyika dzose dziri pano pasi zvichisanganisira zvitsuwa, zviumbe, negungwa.

Mitauro yeBantu

  • Izwi rokuti shango (country; land; earth; the world) rinotaurwa kuKalanga richireva nyika ino yatigere.
  • VaTaita vanoti msanga (earth) kana isanga lyose (the whole world).
  • Izwi rokuti charu (land, earth, field) rinotaurwa kuTumbuka richireva nyika.
  • Izwi rokuti charo (land, earth) rinotaurwa mururimi rweNsenga kuZambia richireva nyika.
  • Izwi rokuti eshialo (country, world, land) rinotaurwa mururimi rweLuwanga.
  • Izwi rokuti chalo (land, earth) rinotaurwa mururimi rweLunda.
  • VaLunda neVaLenje vanoti chisi (country, region, land, district, village and its neighbourhood).
  • Mururimi rweKirundu kune izwi rekuti i-si (earth, world), pakuwanda zvonzi amasi.
  • Izwi rokuti dziko (land) rinotaurwa mururimi rweChisena kuMozambique richireva nyika ino yatigere.
  • Izwi rokuti museye (earth, soil, mould, ground) rinotaurwa mururimi rweLenje.