Katalonya
Katalonya (Chikatala: Catalunya; Chispeini: Cataluña; Chiositani: Catalonha) inharaunda ye mhangamene yekuSpeini, yakasindiswa se udhidhizha ne statachuti yayo ye vupangamene.
Uzhinji we teritori yayo (kunze kwe Vhari dhi'Arani ) irere kumaodzanyembaemabvazuva emugimbakirwa we Ibheriya, kuchamhembe kwe mandundu emakomo e voParenii. Katalonya yakagamhurwa zvechindauro kuita matunhu mana: Bhahlelona (Bhaselona), Girona, Yeidha, uye Taragona. Gutaguru uye gura rihombe, iBhahlelona, ndiro guta-rinozvitonga riri pachinzvimbo chechipiri pahukuru hwe huwandu hwevagari muSpeini uye ruwa rechiebheni rechinzvimbo chechishanu pahukuru hwe huwandu vagari muMubatanidzwa we Yuropu. Katalonya ye chemanjemanje inosanganisa uzhinji wechinyakare uye chifumo-chamanje che Vuchinda hwe Katalonya (pachisiywa chisariro cheRoselewoni chave chikamu che Parenii-Oriendalesi ye Furanzi). Yakaganhurana ne Furanzi (Okisitaniya) ne Andora kumaodzanyemba, Bhahari re Medhiteraniya kumabvazuva, uye nharaunda dzechipangamene dze Chispeini dze Aragoni kumadokero uye Vharenziya kuchamhembe. Mitauro yechihofisi inosanganisa Chikatala, Chispeini uye Chiarane mutauronyina weChiokisitani.
Mashoko okuziva
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Bhahlelona - "Bathselona" (kutovodza mataurirwo arinoitwa nevazvarwa veko, kunge munhu anechirimi arikuzama kuti "se", achiti "thse", rinonzwika zviri pedyo na -hle bhii ra -hl rinowanikwa kuChikaranga neChindau)
- Roselewoni (Roussillon; Rosselhon)
- Parenii-Oriendalesi (Pirenèus Orientals; Pyrénées-Orientales)